Mutungamiri haavimbiki nekuti ane zita guru chete. Kuvimbika kunoonekwa pakuchengeta nguva, kutaura chokwadi, kupedza basa, uye kubvuma kana paine paanenge akanganisa.
Tanga pazvinhu zvidiki
Ruka 16:10 inotidzidzisa kuti munhu akatendeka pazvinhu zvidiki akatendekawo pazvikuru. Kupindura mashoko, kuchengeta zvinyorwa zvakanaka, kugadzirira musangano, uye kutevera vanhu zvinovaka chivimbo.
Taura nenguva
Kana basa rakanonoka, zivisa mutungamiri pachine nguva. Tsanangura chiri kukunonotsa uye ipa zano rekugadzirisa. Usamirire kuti vanhu vakutevere kakawanda.
Gamuchira kururamiswa
Munhu akakura anobvuma kukanganisa uye anogadzirisa. Accountability inobatsira kuchengetedza vanhu, mari, uye basa rechechi. Kururamisa kunofanira kuitwa nerudo uye nechinangwa chekuvaka.
Munamato
Baba, ndipei moyo wakatendeka. Ndibatsirei kuchengeta shoko, kupedza mabasa, uye kubvuma pandinenge ndakanganisa. Amen.
Danho rako: Sarudza basa rimwe rawakanonoka. Isa nguva yekupedzisa uye zivisa munhu akakupa basa.
Body of Christ International Church inokugamuchirai kuMount Zion, Corner Crowborough Way neMuonde, pedyo neMhuriimwe Secondary. Musangano mukuru unotanga na10AM. Website yedu.
โ Levi Mahemu | Nemoto Zvinonaka
