
MUNAMATO WEHUSIKU | Mwari, ndinokuisai marwadzo andisingatauri kune vamwe
Usiku huno, pane zvauri kuramba uchivanza mumoyo here? Zvichida uri kusimba pamberi pevanhu asi mukati wakaneta. Zvichida pane kurwadziwa kwemuchato, kusawirirana mumhuri, kushaya mari, kuchema kana kunzwa sekuti hapana ari kukunzwisisa.
Mwari vanokuziva kunyange usati wawana mashoko ekutsanangura zvauri kunzwa.
โThe LORD is nigh unto them that are of a broken heart; and saveth such as be of a contrite spirit.โ
Psalm 34:18, KJV
Usiku huno haufaniri kunyepedzera kuti zvinhu zvese zvakanaka. Uya kunaMwari sezvauri. Kana uchida kuchema, chema pamberi pavo. Kana uchingokwanisa kuti, โBaba, ndibatsirei,โ vanonzwa.
Namata uchiti: Baba, ndinokuisai moyo wangu wakarembera. Poresai maronda angu, bvisai kutya, ndipei simba rekumuka zvakare, uye mundichengete ndiri pasi penyasha dzenyu. Musandirega ndichirara ndakabatwa nezvandakanga ndisingakwanisi kugadzirisa.
๐ง TEERERA AUDIO PRAYER YEHUSIKU. Rega munamato uyu ubatsire moyo wako kuburitsa mutoro uye kupinda muhope murugare. Mwari vanoramba vachishanda kunyange iwe warara.
Kana uchiziva munhu ari kupfuura nemunguva yakaoma kana ari kuchema muchivande, mutumire iyi prayer.
BCICHURCH WhatsApp Channel:
https://bodyofchristinternationalchurch.org.zw/
Photo: Jack Sharp / Unsplash
#BCICHURCH #LeviMahemu #MunamatoWehusiku #HealingPrayer #KunamataKunoshanda #NemotoZvinonaka
