Munamato weSvondo
Baba vedu vari kudenga, tinokutendai nekuda kwezuva idzva uye Svondo rino. Tinouya pamberi penyu nemoyo wakazaruka, tichitenda kuti muri Mwari anoita zvakanaka kuvana vake.
Prophetic Declaration
Svondo rino Mwari akuitirei zvakanaka. Akusimudzire pabasa. Akusimudzire mune zvauri kuita. Aise nyasha dzake pamusoro pehupenyu hwako uye akuvhurire mikana mitsva.
Mwari ngaarambe achichengetedza mhuri yako. Ngaarinde vana vako, imba yako uye vese vaunoda. Hapana chakaipa chichakukunda, uye ruoko rwaMwari ngarigare pamusoro pako nezita raJesu.
Svondo rino ngauve Svondo yekufambira mberi, nyasha, kuchengetedzwa uye zvapupu zvitsva. Zvainge zvakavharika ngazvivhurike. Zvainge zvakamira ngazvitange kufamba.
Nezita raJesu. Amen.
Svondo rino, famba uchiziva kuti Mwari anewe.
