Pane zvinhu zvishanu zvandinoona Jesu achiita muhupenyu hwangu semuKristu. Jesu haana kungondiponesa chete. Ari kundishandura, kundivhurira mikana, kundishandisa uye kundireverera.

1. Saves | Anondiponesa
Ruponeso ndicho chipo chikuru chaMwari kuvanhu. Pandinouya kuna Jesu nokutenda, ndinoponeswa kubva kuchivi uye ndinopiwa hupenyu hutsva. Handizvirumbidzi nezvandaita. Ndinorumbidza Jesu nekuti ndiye akandiponesa.
Magwaro: Johane 3:16; VaEfeso 2:8-9.

2. Sanctifies | Anondichenesa uye kunditsvenesa
Kutsveneswa inzira yaMwari yekundishandura kubva mukati kuenda kunze. Jesu anochekerera zvinhu zvisingabereki kuti hupenyu hwangu hubereke zvakawanda. Handisi munhu wandakanga ndiri. Mwari ari kushanda mukati mangu uye ari kugadzira hunhu hwangu kuti ndiunze zvibereko.
Magwaro: Johane 15:2; 1 VaTesaronika 5:23.

3. Sets Me Up | Anondigadzirira nzira
Jesu anovhura mikova uye anondipa mikana yekufambira mberi muhupenyu nechinangwa. Handifaniri kuzvimanikidza kupinda pamikova isina Mwari. Kana Jesu avhura musuwo, ndinofanira kufamba nekutenda uye nekuteerera.
Magwaro: Zvakazarurwa 3:8; Zvirevo 3:5-6.

4. Service | Anondishandisa kushandira vamwe
Hupenyu hwangu hahusi hwekungogamuchira chete. Jesu anondishandisawo kubatsira vanhu. Kushumira kwangu vanhu kwakabatana nezvaari kuita kuburikidza neni. Kana ndichishandira vamwe nerudo, ndiri kushandawo muchinangwa chaMwari.
Magwaro: VaEfeso 2:10; Mateo 20:28.

5. Intercedes | Anondireverera
Jesu ari kundireverera. Handisi kufamba ndega. Kunyangwe pandisingazive zvekutaura, Jesu ari pamberi paBaba achindimiririra. Ndinotenda kuti chinangwa chaMwari pamusoro pehupenyu hwangu hachikundikani. Jesu anoda kuti ndisvike kunzvimbo yaakandidaidza kuti ndiende.
Magwaro: VaRoma 8:34; VaHebheru 7:25.
Ini ndinorarama nekuziva izvi: Jesu akandiponesa. Ari kunditsvenesa. Ari kundigadzirira nzira. Ari kundishandisa kushandira vanhu. Uye ari kundireverera.
Ndokusaka ndichiramba ndichifamba. Ndichiramba ndichitenda. Ndichiramba ndichishumira. Ndichiramba ndichisvika pachinangwa chaMwari pamusoro pehupenyu hwangu.
Unlocking Destinies. Reviving People.
Win One Soul. Teach One. Send Out One.
#BCICHURCH #LeviMahemu #NemotoZvinonaka #JesusChrist #ChristianLife #Faith

2 Comments
[…] 5 Zvinhu Zvinoitwa naJesu Kune MuKristu […]
[…] 5 Zvinhu Zvinoitwa naJesu Kune MuKristu […]